Vakasara nebhokisi chitunha chatorwa

0
586

VANHU vaiva panhamo yemurume akafa nekuny’ura mumvura mudhamu reGulliver kwaMusana vakashaya neremuromo mushure mekunge hama dzemufi nevavakidzani vake vakange vokakavadzana pamusoro pekuti mufi aivigwa kupi.

Nyaya iyi yakaitika masvondo maviri adarika mubhuku raMajero, kwaSadunhu Chikosha, parufu rwaMagiya Muzanenhamo.

Loading...

Muzanenhamo anonzi kumusha kwake ndekwaChikwaka asi ndokuzotamira kwaMusana uko akafira.

Sabhuku Majero (42), avo vane mumusha maigara muchakabvu uyu, vanotsinhira kusawirirana parufu rwaMuzanenhamo izvo zvavanoti zvakatombokonzera kusafamba kwerufu zvakanaka.

“Murume uyu aiita basa rekubata hove achishandisa chubhu yemotokari kuti akwanise kufamba pamusoro pemvura achiredza. Anonzi akabva pamba apo asina kudzoka vanhu vakafunga kuti akasungwa nemapurisa nenyaya dzekuredza zvisina mvumo.

“Ini sasabhuku nevamwe takazoenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekuChabweno kuti taiva tamushaya. Takazoenda kudhamu iri nemusi weChishanu (svondo rapera) tikanowana mutumbi wake wakayangarara mumvura wave kutoora,” vanodaro.

Sabhuku Majero vanoti mutumbi uyu vakazounyurura apo sahwira wemufi, VaAllan Chaminama (60), vari ivo vakapinda mumvura.

“Takaenda nawo kumusha tatsvaga motokari iyo yaida $120. Tasvika kumusha takazokwereta bhokisi rekuvigisa mufi $80 mari yechikwereti ndokusvika $200 iyo nanhasi tisati tabhadhara tichitarisira kuti ichabva kuhama dzake kwaChikwaka,” vanodaro.

Vanoti makakatanwa akazotanga apo hama dzaMuzanenhamo dzakauya nemapurisa vachiti vaida kutora mutumbi wehama yavo kuti vanouviga kumusha kwavo apo vavakidzani vemushakabvu vaida kuti kutangwe kwabhadharwa zvikwereti zvebhokisi nemotokari yakatakura mutumbi kubva kudhamu.

“Mapurisa vakatenge vauya nebhokisi ravo resimbi hama idzi dzichida kubvisa mufi mubhokisi kuti vaise mune remapurisa izvo vanhu vakaramba. Mumwe muzukuru wemufi aiti aizobhadhara mari iyi akadhonzwa kubva mumotokari yemapurisa achinzi asiye abhadhara mari iyi asi haana.”

Zvakadaro, hama dzemurume uyu nemapurisa vanonzi vakazobva vachisiya mutumbi uyu uchingova mubhokisi raiva ratengwa.

Ramangwana racho, isu takazofuma tichichera gomba kuti tivige mufi mangwanani sezvo akanga aipa apo takazoona mapurisa nehama dzemufi vadzoka vachiti vauya kuzotora mutumbi. Pakanetsanwa mutumbi uchibva wabviswa mubhokisi mawaiva ndokuiswa mune remapurisa vachibva vaenda nawo.

“Takanzi waendwa nawo kuchipatara cheMurehwa kunoongororwa uchizonzi wava kunovigwa kwaChikwaka kumusha kwakatama mufi achiuya kuno kwaMusana. Kuno akangouya oga isu vavakidzani ndisu hama dzake,” vanodaro Sabhuku Majero.

Vanoti hama dzaMuzanenhamo dzakanga dzava kufungidzira kuti pane chakaipa chakaitwa kwaari nekuda kwefiro yake.

Zvadai, gomba raida kuvigwa mufi rakagara kwemazuva mana kusvika nemusi weChipiri svondo rapera apo mutumbi waMuzanenhamo wakazounzwa ukavigwa pasina hama dzake idzo dzinonzi dzakaramwa.

Sabhuku Majero vakazoridza nhare kumutori wenhau uno vachitaura kuti mutumbi uyu wakaunzwa ukavigwa pamusha pake.

“Mutumbi uya wazounzwa kumusha nemapurisa ukavigwa nevatorwa, vana vemufi nemadzimai acho,” vakadaro.

Murume uyu anonzi aiva nemadzimai akawanda kunyange Kwayedza yakaona mukadzi mumwe chete.

VaChaminama vanoti vakarwadziwa zvikuru nerufu rwasahwira wavo, zvisinei nekunetsana kwakaitika panhamo.

Ema Muzanenhamo (41) anotiwo akarwadziwa zvakanyanya nefiro yemuramu wake.

Mudzimai wemushakabvu, Mai Virginia Magwenzi (46), vanoti havana zvavanoziva zvakawanda nekufa kwemurume wavo.

Sadunhu Chikosha, VaElisha Chikosha (63), vanoti tsika yekuramwirana chitunha haina kunaka uye vanhu vanofanira kutaurirana kana paine zvinonetsa.

“Vanhu ngavasiyane nenyaya yekuramwidzana zvitunha nekuti imhosva.

‘‘Makomba akacherwa haafanirwe kugara asina kuvigwa zvitunha kwemazuva, zvinoyera.

“Pamusoro pezvo, hakuna munhu anofanirwa kuita makuva maviri saka ini naMambo Chikwaka takataurirana kuti avigwe kuno kwaMusana,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Assistant Inspector Petros Masikati, vanoti vaida kutanga vatsvaga chaizvo zvakaitika munyaya iyi.

Comment with your Facebook

comments