Mukadzi Anotiza Murume Afurirwa NaSisi Vake Because of Roora Shoma!

0
2191

Mugorera 2012 ndakaroora ndikagara nemukadzi wangu kusvikira tanemwana, sisi vemukadzi wangu ndokutora mukadzi wangu vachiti semuzvere vambogare naye kwe 2 months, panguva yose iyi ndaingunotengeswa chikafu che $50 paweek.

Two months dzakazokwana ini ndopandakazovaudza kuti ndavekuda mhuri yangu ndigare nayo, ipapo ndakatanga kuudzwa tumwetukonzero twemangamanga kudzamara dzatove 4 months. Ndakazoshamiswa rimwe zuva ndavekunzi namaiguru hazviite kuti mukadzi wako adzoke nekuti ndaive ndakabhisa mari yeroora shoma, ndakarwadziwa nekuti pangapasina kupera gore ndabvisa $3000 yeroora. Ipapo ndikanotaura natete asi tete vakati ndainyepa vakati chivafonere sezvo tiritose kudai, zvechokwadi ndakafonera maiguru asi ndakanyara nekuti vakatanga kundituka zvekuti kana ivo tete vakangobva pandaive ndiri. Ndakatukwa hama dzangu zvikanzi usashamisire nekamarikako kaukabhadhara hakashande chinhu, zvikanzi tinoda mari inotenga NAVARA kwete ka 3000 kako, zvikanzi chisiyana nemunin’ina wangu akatozvibatira anemari kudarika yako.

Loading...

Hamawee pakatukwa zuva iroro asi ndakazoonana nemudzimai wangu akati ndinotevedza zvinotaurwa nasisi wake nekuti ndivo vakamuchengeta, izvi zvakandirwadza kusvika ndanyatsoonda chaizvo, asi hapana zvandaikwanisa kuita ndaingochengeta mwana chete nguva yese iyi. Zvino manje nezuro mudzimai uyu akandifonera achiti ndiregerere ndaifurirwa nasisi parizvino ndavekuziva chokwadi handichadaro, ndavekuda imba yangu yandikasiya. Hama neshamwari ndoitawo sei nemukadzi uyu iyezvino dzavekutokwana 3yrs tasiyana, iniwo kubva ipapo handina kumboita mukadzi kusvika izvezvi. Ndibatsireiwo ndoita sei nemukadzi uyu???

Comment with your Facebook

comments