Jira rinochinja kuita ZINYOKA – Maroja vachirohwa nezvibhakera – Vakadzi vavo vachiiswa vakarara

0
1962

VAGARI vepane mumwe musha uri mubhuku raZhanje, kwaSeke, vanoti vaoneswa ndondo nejira reretso ravakangoona rava muimwe imba yavo iro ravanoti rinombosanduka kuita zinyoka uye vanhukadzi vepovachishinhwa navo nezvinhu zvisingaonekwe.

Pamusoro peizvi, vanoti zvakare vanorohwa zvibhakera nekukwapaidzwa nembama nevanhu vavasingaone.

Loading...

Pamba pari kuitika masaramusi aya ndepaVaCleopas Zhanje, avo vakashaika kare vose nemadzimai avo maviri. Pamusha uyu pasara vana bedzi asi panogara maroja.

Vana vepamba apa vatatu vanonzi vanoshanda kuSouth Africa, mumwewo achisevenzera kwaJuru (Bhora), kuGoromonzi.

Musha uyu uri padyo neDema growth point izvo zvinoita kuti pagare maroja. VaTsangirai Tanhira (31), mumwe wemaroja epamusha uyu, vanoti jira reretso iri rakazongoonekwa muimba yairojwa nemumwe wavo riri kuseri kwe”kitchen unit” richiita seraifamba richibvira moto.

“Jira iri rakaiswa mumba maLawrence Mavungu (24) ndokuzoriona ivo varidzi vemumba usiku apo vaiona sepaibvira moto. Vakatya zvikuru ndokuburitsa zvinhu zvavo mumba vachibva vaisa mumba mangu mushure mekumbodira sauti pajira iri senzira yekuda kufumura.

“Chave kunetsa ndechekuti jira iri riri kusanduka kuita zinyoka hombe iro tinoona tose pano asi rinozongonyangarika takayeva. Nyoka iyi inofamba mumba mose yozodzokera panzvimbo pane jira iri,” vanodaro VaTanhira.

Vanoti jira iri vakariona kanokwana kaviri richisanduka kuita nyoka yerudzi rwemhungu.

“Ini jira iri ndakariona kaviri rapinduka kuita nyoka, mhungu chaiyo yaifamba mumba ichitenderera ndokuzodzokera panzvimbo ine jira iri apo yakapinduka kuita jira.

“Nyoka iyi inopeny’a zvikuru, inenge yakareba kudarika jira irori zvekuti inogona kuita mamita maviri nechidimbu,” vanodaro.

VaTanhira vanoti aya mabasa emishonga yechivanhu kana kuti evaroyi nevamwe vanoshereketa.

“Tinorohwa zvibhakera nembama nevanhu vatisingaone tichitoridza mhere. Tinogona kurohwa tose nguva imwe chete tichichema pasina anonunura mumwe nekuti zvinotirova zvacho hatizvione. Tave kutotyira madzimai edu nekuti vanoitwa vakadzi vavete nezvavasingaone.”

Pamusha uyu pane imba huru ine mipanda mipfumbamwe neimwe ine dzimba nhatu.

Jira rinochinja kuita ZINYOKA
Jira rinochinja kuita ZINYOKA

CONTINUE READING ON PAGE 2……………………………………………………………….

Comment with your Facebook

comments