Chinzwa zvandaita mukombi nhasi…

0
4552

Ndaitaura zvinonzwikwa ne munhu wese ndikati haa muzimbabwe mahwani, kana kuti pamwe ndini ndine munyama. (ndaingo chema chema)

The lady next to me asked ko chii nhaii mwanangu? Ndabva ndati mhamha zvaitika makuseni zvichiri kundishungurudza!!! Ndati zvangu ndirimuroad ndichienda kubus stop ndamirirwa nemumwe murungu akanditi unoda kwik job here ndikupe $2000? Iniwo nekuda mari ndikabvuma (vanhu varimukombi became very attentive to me). Yangu yekuda mari iyi, anditora murungu wuye tika driver kuenda hameno kumapurazi arikumazowe uko. Ndookundimisa pagate rerimwe prazi for 6 minutes he came back achizvuva rimwe saga ranga riine zvinhu apo richiyerera ropa!!! told me to put it mu boot manga muine pick ne foshoro!!!

Loading...

Hana yangu yakatanga kubika manhanga!!! we drove tichipinda musango zviri deep!!! Akamisa mota pamwe panga pachityisa akanditi buruka, tanga kuchera gomba apo izvozvi!!! ndakachera kusvika muhapwa gomba riye akabva anditi tora saga riye unorikanda mugomba!!!! Ndakakanda saga riye. richingoti pasi buu makabva mabuda musoro wemunhu!!!! amai imi………. mhomz yakanga iri pa side pangu yakavhunduka ika ….
Ndobva yanditi saka wazoitasei??? Kombi yese ikatanga kundibvunzawo zvazoitika!!! Ndapindura ndiri relaxed zvangu !! Ndikati ahhh ndabva ndamuka hangu nekuti ndanga ndichitorota hangu!!!! Vanhu vakadhinhiwa mukombi ndikaudzwa zvinonyadzisira zvese.

Comment with your Facebook

comments