Chihuta: Shiri yakonzeresa

0
1181

CHIHUTA! Shiri yanetsa pataundi neparuzevha iyi. Ndiani anoshandisa nzira dzechizvino-zvino dzekufambisa mashoko – social media – asiri kusemburwa nezita rekuti “CHIHUTA”.

Mashoko kungopinda panhare bedzi unongoona nyaya ndiyo ndiyo: “Chihuta.”

Loading...

Chihuta imhando yeshiri yemusango iyo yaita mukurumbira muZimbabwe kubvira payakatanga kupfuiwa pamusha makore mashoma adarika. Asi mukurumbira uyu wazonyanya mumasvondo angaite maviri adarika.

Sesvondo rino, nyaya yezvihuta, izvo zvava kuchengetwa nevanhu vakawanda mumaguta nekumaruwa yatsviriridza padandemutande, kunyanya paWhatsApp, apo vamwe vari kutumirana mashoko nemifananidzo, zvimwe zvacho zvinosetsa kana mbavha yakahwanda.

Kana pari pama”group”, hazvitaurike.

Vamwe ndivo vanoita zvidobi-dodi vachishandisa mifananidzo iri pamusoro pezvihuta vachitumirana.

Zvihuta zvaita mbiri kunge yatezvara vaye – Peter Irimayi “Tezvara” Mudavanhu – vekuenda kumuchato wemwana wavo vakapfeka chikabudura.

Heanoi mamwe mashoko ari kutenderera paWhatsApp pamusoro pezvihuta:

“Chicken Inn, Chicken Slice, Who knows pamwe tichange taane Zvihuta Inn, Zvihuta Slice neZvihuta United?”

Mamwe ndiwo ari pamusoro penyambo seinoti:

Chinoz: Teacher what’s the prural for car engine?

Teacher: Car engine, ko iwe Chinozi what’s the pural for car hooter?

Chinoz: Zvihuta!!!”

* * *

“Ungandidii, gore rino rezvihuta baba!!! Vanhu vaye vatowana mabasa”.

* * *

“Ndiri kudarika neparimwe den zvangu kubva kubhawa mwana aputsa cup, ha namoms vacho ‘iwe Tsitsi haikona kungohutaira sechihuta chagwinwa nemagetsi!”’

* * *

Zvinodiwa kuroora mugore rino 2016

1, Vhuramuromo – 1 Chihuta

2, Makandinzwa nani – 6 zvihuta

3, Kunonga kwemusikana – 3 crates mazai ezvihuta

4, Damage – 100 zvihuta.

5, Rusambo – 1 000 zvihuta plus 20 table eggs ezvihuta.

6, Danga – 1 500 zvihuta

* * *

Wozwa munhu achinzi Mai Maka . . . short cut for Makatipazvihuta. Mudzimba mungadii hapana.

* * *

Martin: Zvihuta izvo zvine ruzha sei kuvata kumaone zvichingochema

Nyasha: Noise iyoyo yezvihuta inorapa nzeve futi.

* * *

Kkkkk Chihuta chaita mukurumbira . . . group rese randiri vakungoti chihuta . . . even MaChina hanzi Zhunta-Zhunta.

* * *

Kuita mukadzi asingabike zvihuta sevamwe vakadzi?

* * *

Cde gallery yangu yazara nemaphotos ezvihuta zvenyu.

Siya zvirimo . . . zvinosaver battery.

* * *

Dai zvihuta zviri HIV munhu wese dai ava positive.

* * *

Boy: what’s your name

Girl: Chichi

Boy: Chiratidzo? Chiedza? Chipo?

Gorl: No, Chihutachashe

* * *

Zvakawandisa zviri kuitika.

Kana iri mifananidzo hazvichataurika – yezvinwiwa, mafuta ekupoda-poda, hapana chasara. Vamwe vanofarisa vari kuisa chihuta pamureza wenyika.

Nyaya yekutengeswa kwezvihuta nemazai acho ibhizimusi rapfumbira zvikuru sezvo chihuta chikuru chimwe chete chigona kutengeswa nemari inobvira pa$5 kusvika $10 uye mazai acho achitangira pa$6 pakireti imwe chete.

Pane mashoko ari kubuda ekuti zvihuta zviri kunzi zvinorapa zvirwere zvakasiyana zvakaita seutachiona hweHIV, gomarara, nhova, guvhudende, nhetemwa, chikosoro nezvimwe kunyangwe zvazvo pasina ongororo yakadzama yati yaburitswa uye kaitwa nenyanzvi dzeutano dzemuno kuona kana ichi chiri chokwadi.

Zvakadaro, gurukota rezvenharaunda, mvura nemamiriro ekunze, Cde Oppah Muchinguri-Kashiri, vanoti imhosva kuchengeta zvihuta pasina mvumo kubva kubazi rinoona nezvekuchengetwa kwezviwanikwa nemhuka dzesango.

“Vanhu vari kutengesa zvihuta vachinyepera vanhu kuti izvo nemazai azvinokandira anorapa zvirwere. Manyepo iwayo uye zvinofanira kuregedzwa,” vanodaro.

Mhando yezvihuta zviri kuchengetwa nevanhu muZimbabwe inonzi yakasiyana nezvemusango zvemuno sezvo izvi zvichinzi zvinounzwa kubva kunyika dzakaita seJapan uko kwazvinopfuiwa zvakawanda.

Chihuta chiri kuchengetwa chikuru pane chemusango chemuZimbabwe zvekuti chakada kuenzana nezvakaita shiri yenjiva asi chisina besu refu. Chemuno chingangoinzana neshiri yejesa pamhumhu. Zvemuno zvine ruvara rumwe chete asi izvi zvinowanikwa zviri pamavara akasiyana, kusanganisira zvimwe zvichena-chena. Pazvinochengetwa zvinonzwikwa neruzha uye hazvirarire kana kurindira mazai azvo sezvinoita zvemusango zvemuno.

Comment with your Facebook

comments