Batsirai Rejoice atambura

0
833

MUSIKANA uye wekuHatfield, muguta reHarare, wekutsvaga rubatsiro rwekuti avhiyiwe zibundu rakangomera kusvikira ravhara ziso rake anoti akawana ruyamuro rwekuti aongororwe nanachiremba uye chasara imari yekuti achivhiyiwe.

Kwayedza nguva yadarika yakaburitsa nyaya yaRejoice Mudede (20), uyo aitsvaga rubatsiro rwekuti avhiyiwe zibundu riri paziso rake.

Loading...

Zvichitevera kububa kwakaita nyaya iyi, Rejoice anoti akawana rubatsiro rwe$200 kubva kune mumwe munhu yekuti avhenekwe zibundu iri kunyangwe zvazvo achiri kutsvaga imwe $200 yekuti avhiyiwe.

“Mari yandakawana $200 mwedzi wapfuura ndakaenda kunovhenekwa mumusoro zvakare nekuti bundu iri rionekwe parinochekwa. Iye zvino kwasara $200 yekuti ndichekwe bundu iri kuParirenyatwa (Group of Hospitals)

Rejoice anoti atambura nezibundu iri sezvo richimurwadza zvikuru.

Ndatambura nebundu riri pamusoro peziso rangu rekuruboshwe. Amai vanoti rakatanga kungokura ndiri mudiki zvakare vakamboedza nepose pavanogona kuti ndibatsirike kumasowe kuchechi yatinopinda asi zvakashaya basa.

 

REJOICE

“Bundu iri raimbova diki asi nekukukura kwangu riri kuramba richikurawo zvekuti rave kuda kuvhara ziso.

“Musoro wangu unogara uchirwadza nguva nenguva uye dzimwe nguva ziso iri harione zvakanaka sezvo rave kuvharwa nechinyama chiri pamusoro,” anodaro Rejoice.

Anoti rimwe ziso rake rave kudairirawo richirwadza zvekuti musoro wave kumuremera izvo zvinoita kuti agare akarara.

“Ndinogara ndirere nekuti ndinonzwa dzungu nekuona rima nguva nenguva.”

Rejoice anoti akasvika pakuregedza kuenda kuchikoro nekuda kwedambudziko rezibundu iri.

“Ndakasvika pakutadza kuverenga, ndaiona neziso rimwe chete. Ndakagumira Form 3 nekuda kwedambudziko iri izvo zvakakonzerwawo nekushaikwa kwemari naamai vangu sezvo baba vangu vakashaya,” anodaro.

Vanoda kubatsira musikana uyu vanochaya nhare panhamba dzinoti 0714 739 208 kana 0771 358 425.

Comment with your Facebook

comments