Yekudhakwa Yakaoma – Kudya Tauro Rekugezesa Achifunga kuti iGuru

0
990

Yekudhakwa yakaoma, mumwe mukomana akatenga guru ndokusiya kumba magetsi ayenda.

Akadzokera kubhawa ndokuzofunga kunobika magetsi adzoka asi bulb rakabva ratsva, apinda mumba akabatabata patable ndokutora guru rake ndokucheka ndokuisa mupoto. Akaisa ma onion nematomatoes kuti zvinyatsoibva zvose. Chakamunetsa ndechekuti rakaramba kuibva kusvikira apakura rimwe ndokudya zvakadaro achiti iguru rebhuru
rachembera.

Ava mangwnani akashanyirwa ne musikana wake iye asati amuka ndokuudza musikana


kuti abike kasadza kebhabharasi akati akasiya usavi manheru. Musikana apedza kubika sadza, ndokuisa kapoto keusavi pastove. Paakavhura poto wanei mapisi  etowel rokugezesa zvakanyatsosangana nemadomasi. Musikana ndokubvunza mukomana, wakadya nei mamheru zvikanzi neguru. Musikana ndokuti uchageza nguvai mukomana ndokuti ndakunogeza wanei guru riri mushower rakatocheneruka nesipo.

Loading...

Drop us a Comment