MUPOROFITA wekuGuruve akamedzwa nebako rinoyera

0
1335

MUPOROFITA wekuGuruve — wekuda kuwedzera masimba echiporofita nekunopinda mubako rinoyera rekuChiweshe — akazodemba apo “akamedzwa” kana kuti akadhonzerwa muninga nevanhu vaasina kuziva, avo vanofungidzirwa kuti manyin’inya kana kuti madzimudzangara, bako racho richibva ravharika musiwo iye arimo.

Madzibaba Tinashe Tinapi (30) wechechi yeJohane Masowe weChishanu uye achibva kwaJeke, kuGuruve anonzi akavharirwa mubako regomo reChiwonde, umo akarara husiku hwose achibongomora kuchema sezvo ainge akamanikirwa pakati pemabwe ebako.

Loading...

Paakazonunurwa, muporofita uyu ainge angoti wundundu semunhu ave kuda kufema mweya wekugumisira.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Assistant Inspector Petros Masikati, vanotsinhira nyaya iyi.

“Nyaya iyi yakaitika, asi zvakawanda hatisati tava nazvo. Mashoko atiinawo anoti muporofita uyu akabatsirwa, ndokuzoendeswa kuchipatara cheConcession uko tisati tava neruzivo rwekuti utano hwake huri sei uye kuti achiriko here kana kuti akabuda muchipatara umu,” vanodaro Asst Insp Masikati.

muporofita-akamedzwa

 

Vanokurudzira vanamati kuti vasiyane netsika yekunopinda munzvimbo dzine njodzi kuupenyu hwavo dzakaita semapako, madziva, nemumasango ane mhuka nekuitawo zvimwe zvine njodzi.

Mudzimai waMadzibaba Tinashe, Madzimai Esnath Tamanikwa (25) anoti: “Ichokwadi madzibaba vakasangana nedambudziko. Vakapinda mubako apo vaiva kumativi mana, vabva kuno kumusha kuRuyamuro, kwaKondo kuGuruve.

 

Madzibaba vakabviswa kuchipatara cheConcession nemusi weMuvhuro wadarika, vava kuParirenyatwa (Group of Hospitals) kuHarare, izvozvi nditori munzira kunovaona. Ndichakuzivisai kuti vari sei, uye kuti vari muwadhi ani.”

Gomo reChiwonde riri mubhuku raChirimuuta, kwaMambo Makope uye rinonzi rinoyera zvikuru. Mugomo iri munonzi mune mapako ene matura azere zvirimwa zvakaiswa panguva yechinyakare nemadzitateguru.

 

Badzibaba tinashe

Mugomo iri zvakare munonzi makarwiwa hondo inotyisa munguva yehondo yeChimurenga kuma1970 mukafiwa nevanhu vakawanda.

Pachinyakare, mugomo reChiwonde munonziwo maiitirwa chivanhu uye mune makuva akawanda.

VaDington Chikwekwe (42) vemubhuku raRwere, vanoti ivo mumwe wevanhu vakanoona muporofita uyu ari mubako ndokubatsira pakununurwa kwake.

Vanoti mugomo iri munoyera zvikuru sezvo muchinzwikwa muchiridzwa ngoma kana mbira, mombe dzichirima, kurira kwehuku uye mazwi evanhu vanotaura nekudzvurwa. Munoonekwawo manyin’inya kana kunze kwadoka.

“Ndisu takazobatsira Madzibaba Tinashe uyo anoti akabva kuGuruve aratidzwa nemweya kuti azowedzera masimba ake mumakomo aya. Takanzwa munhu kuchema husiku hwose apo taiti munhu ainamata ndokuzonzwa makuseni kuti aichema apo akanga ave kutopera simba,” vanodaro.

Comment with your Facebook

comments