Kutadza kuyambuka pillow nezuro manheru!

0
1970

Vamwe baba nevamwe amai vakaburukira pabus stop imwe chete kumusha vasingazivane . Baba vaiva nebasikoro, vati fambe fambe vakawana rwizi rwakazara vakatsauka pamwe pamba kuno kumbira pokurara.

Sekuru vepamba ipapo vakavapa gumbezi 1 rekufuga ne1 rekuwarira vakati zvino zvamusingazivane motoganhura nepillow. Vaviri ava vakarara kusvika kwaedza ava mangwanani vakaoneka vakapinda Muroad . Vakasvika zvekare rwizi rwakazara baba vaye ndokuwinya trouser zvikanzi amai ndakuita zvivindi ini ndoyambuka tonosangana kumhiri. Amai vaye vakaseka vakatarisa baba vaye zvikanzi zvivindi zvei zvaunoita tibvirepo unoti unopayambuka apa iwe wakatadza kuyambuka pillow nezuro manheru?

 

rwizi

Loading...

Drop us a Comment