Bhokisi rechitunha ‘muroad’ . . . Rakakandwa mumugwagwa waHarare Drive

0
970

PANE bhokisi rinoiswa zvitunha rakazongoonekwa rakarasirwa padivi pemugwagwa waHarare Drive pedyo nemisha yeMabelreign neAshdown Park, muHarare, asi mukati maro musina mutumbi izvo zvasiya vagari venzvimbo iyi vazere nekutya.

Bhokisi iri riri panosangana Harare Drive nemugwagwa waRosedine asi vakaita izvi havasati vazivikanwa uye chinangwa chacho.

Bhokisi iri rakawanikwa riri neche kumabvazuva kwemugwagwa waHarare Drive, chinhambwe chingangoita 200m kubva pakamba yemapurisa eZRP vanoshanda nembwa.

Bhokisi iri riri kunzi rasvitsa chipo chemwedzi riripo.

Vanoziva nezvenyaya iyi vanoti bhokisi iri rakazobuda pachena apo vashandi vekanzuru yeHarare vakacheka huswa mumativi memugwagwa waHarare Drive vachishandisa tirakita.

Bhokisi iri, iro ratove kusakara, rinoratidza kuti nderemhando yepamusoro – casket – uye harina chivharo chepamusoro richiita serakamboshandiswa.

VaLangton Buteya (30), avo vanogara mumugwagwa waTomward kudivi reMabelreign padyo nenzvimbo ine bhokisi iri, vanoti rava nenguva vachiriona.

“Ini ndakariona kekutanga kuchinaya nevamwe vangu tikavhunduka zvikuru. Takamboitirana nharo nemumwe wangu kudzimara takazosvika pedyo tikagutsikana kuti ibhokisi rinoiswa vanhu vakafa,” vanodaro.

Vanoti zvinonetsa kuziva kuti vanhu vakasiya bhokisi iri chinangwa chavo ndechei.

Mumwe murume anoita basa rekutengesa matomatisi nemichero panosangana migwagwa iyi, uyo akaramba kudura zita rake, anoti bhokisi iri radarika mwedzi riri panzvimbo iyi uye zvinovanetsa kuti rakaraswa nani.

“Coffin (bhokisi) iri ragara chaizvo panzvimbo iyi. Vanhu vakambotanga vachiuya kuzoriona kusvikira varegera, tave kungotarisawo.

Asi mapurisa nakanzura wedu wemuno, VaPeter Clever Manjoro (veWard 16), vakauyapo svondo rapera paseri, ndokungorisiya riripo,” anodaro murume uyu.

Brian Benson (27), mutengesi wemichero panzvimbo iyi, anoti bhokisi iri rakauya rikasiiwa nemumwe munhu aiva nemotokari yaidhonza kangoro uye izere zvinhu mukati.

“Rakauya nemunhu aiva nemotokari yepick-up chena yaidhonza kangoro kumashure umo maiva muzere hungwanda-ngwanda hwezvinhu. Hamheno kana aienda kunorasa marara here, takangofungira.

“Rimwe vhiri rengoro iyi rakapera mweya ndokumira panzvimbo iyi kwenguva yakareba vachirigadzira. Paakasimudza motokari yake achienda naHarare Drive nedivi rekuWestlea, ndipo patakazosara tichiona bhokisi iri,” anodaro Benson.

“Kuti tizive kuti murume uyu akarirasirei kana kuti mishonga here hamheno. Chava kutinetsa ndechekuti hapana matanho ari kutorwa kuti ribviswe apa,” anodaro.

VaManjoro vanoti vakaenda panzvimbo iyi vaine mapurisa avo vakavimbisa kuti vachabvisa bhokisi iri zvisinei nekuti nanhasi richiripo.

Asi mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Tarirai Dube, vanoti nyaya iyi haisati yasvika kumahofisi avo.

Zvakadai, mukuru wesangano rinomirira machiremba echivanhu, reZimbabwe National Practioners Association (ZINPA), VaFriday Chisanyu, vanoti nyaya yebhokisi remufi iri inogona kunge iine chivanhu chakaitwa ipapo.

“Vanhu vakasiya bhokisi iri vanogona kunge vaine ngozi iri kuvanetsa mumusha mavo yavakanzi vatsvage bhokisi vonorasirira musango.

‘‘Uku kunogona kunge kuri kurasira mweya wemufi uri kunetsa, ndiko kunonzi kurasirira,” vanodaro VaChisanyu.

Vanoti inyaya inonetsa kuti vanhu vanganzi vangachengete bhokisi remufi mumba.

“Pakasiiwa bhokisi iri panogona kunge paiva nachiremba wechivanhu aitungamirira kuraswa kwaro,” vanodaro.

Loading...

Drop us a Comment