Akarohwa nemheni pachipatara

0
631

MURUME wechidiki akarohwa nemheni akafa nemusi weMugovera wadarika pachipatara cheChitungwiza Central Hospital apo akange aenda kunoona sekuru vake avo vairwara.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa muHarare, Assistant Inspector Tarirai Dube, vanotsinhira nezvechiitiko ichi.

Vanoti Nesbate Chikati (27) wepanhamba 7285 Zengeza 4 ndiye akasangana nenjodzi iyi.

“Nyaya iyi yakaitika nomusi wa12 mwedzi uno (Kurume) apo Chikati akange aenda kunoona baba vake avo vakange vakapihwa mubhedha muchipatara ichi.

Paakange achifamba kuyadhi yechipatara, ndipo paakarohwa nemheni achibva atakurwa kuendeswa kuEmergency Ward asi akabva angoonekwa kuti akange atofa kare. Pachipfuva pake pakawanikwa paine maronda,” vanodaro.

Asst Insp Dube vanoyambira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekumira pasi pemiti kana kuva ivo bedzi chinhu chirefu panzvimbo munguva yekunaya kwemvura senzira dzekudzivirira tsaona dzerudzi urwu.

Mukushi wemashoko pachipatara ichi, Mai Audrey Tasaranarwo, vanoti vakasuwiswa zvikuru nenjodzi iyi.

“Ichokwadi, nyaya iyi yakaitika pachipatara pano apo murume uyu akange aenda kunotenga mishonga yemurwere uye kutora chi’inhaler’ chakange chiri mumotokari apo akarohwa nemheni,” vanodaro.

 

Loading...

Drop us a Comment