Akadya zizi mbishi:

0
570

VANHU vaive paMbudzi —nzvimbo inoungana vanhu vakawanda muHarare, mumugwagwa unoenda kuMasvingo — vakashaya nechekuita kune mumwe murume uyo akaramba sadza nenyama yemombe zvaainge apihwa, asindokusarudza kudya zizi mbishi. Murume uyu, uyo akangozivikanwa nezita rekuti Charles, achibva kwaLanark, kuBeatrice, akashamisa ruzhinji rwaivepo apo akatanga kupwanya zizi risina kubikwa, zvose nemanhenga aro.

KUDYA-ZIZI

 

Charles akadya zizi iri mushure mekunge aramba sadza nenyama yemombe nemabhanzi izvo akange apihwa nemumwe mudzimai anotengesa pamusika uri panzvimbo iyi achiti nyama yezizi inomunakira kudarika zvose zvavaimupa.

Vamwe vanhu vakataurwa navo neKwayedza vakati vaifungidzira kuti zizi iri rakange ratsikwa nemotokari, Charles achibva azorinhonga. Asi vamwe vakati murume uyu akanga aita rekuteya kumasango akatenderedza nzvimbo iyi.

Vamwewo vakati murume uyu ane njere dzakakwana, uye izvi zvinogona kunge zvaikonzerwa nezvinodhaka zvakaita sembanje.

Murume wechidiki uyu paakataurwa naye haana kudavira sezvo akaramba achidya zizi iri pamwe nemanhenga aro.

Comment with your Facebook

comments